Matthew 20

Mufananidzo waVashandi muMunda weMizambiringa

1“Nokuti umambo hwokudenga hwakafanana nomuridzi womunda akabuda mangwanani-ngwanani kundotsvaka vanhu vokuti vazoshanda mumunda wake wemizambiringa. 2Akabvumirana navo kuti aizovapa dhinari pazuva, ndokubva avaendesa mumunda wake wemizambiringa.

3“Nenguva inenge yechitatu akabuda ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita. 4Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa, ndichakupai zvakakodzera.’ 5Saka vakaenda.

“Akabudazve nenguva dzinenge dzechitanhatu nedzepfumbamwe akaita zvimwe chetezvo.
6Nenguva inenge yegumi neimwe akabuda akawanazve vamwe vamire. Akavabvunza achiti, ‘Seiko, maswera makangomira pano zuva rose musina chamuri kuita?’

7“Vakapindura vachiti, ‘Nokuti hapana munhu atipa basa.’

“Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa.’

8“Akati ava madekwana, muridzi womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi ugovapa mubayiro wavo, uchitanga navapedzisira kupiwa basa kusvikira kune vokutanga.’

9“Vashandi vainge vaenda kundoshanda nenguva inenge yegumi neimwe vakauya uye mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhinari. 10Saka pakasvika vaya vakanga vatanga kushanda, vakatarisira kupiwa zvakawanda. Asi mumwe nomumwe wavo akapiwa dhinari. 11Vakati vagamuchira mari iyi vakatanga kutsutsumwira muridzi womunda. 12Vakati, ‘Varume ava vapedzisira vangoshanda awa imwe chete, asi mavaenzanisa nesu tatakura mutoro webasa uye tikapiswa nezuva.’

13“Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhinari here? 14Tora mubayiro wako uende. Ndinoda kupa munhu ashanda kwokupedzisira zvakafanana nezvandakupa. 15Ko, handina kodzero here yokuita zvandinoda nemari yangu? Kana kuti iwe une godo nokuda kwokupa kwangu zvakawanda.’

16“Saka vokupedzisira vachava vokutanga uye vokutanga vachava vokupedzisira.”

Jesu Anovaudzazve neZvorufu Rwake

17Zvino Jesu paakanga achikwira kuenda kuJerusarema, akatora vadzidzi vake gumi navaviri parutivi akati kwavari, 18“Tiri kukwira kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu 19uye vagomuisa kune veDzimwe Ndudzi kuti asekwe agorohwa uye arovererwe pamuchinjikwa. Pazuva retatu achamutswa kuti ave mupenyu!”

Chikumbiro chaMai

20Ipapo mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu navanakomana vavo, vakapfugama pamberi pake vaine chikumbiro.

21Akabvunza akati, “Munodeiko?”

Ivo vakati, “Itaiwo kuti mumwe wavanakomana vangu vaviri ava agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.”

22Jesu akati, kwavari, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Mungagona kunwa mukombe wandichazonwa here?”

Vakapindura vachiti, “Tinogona.”

23Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchanwa mumukombe wangu, asi zvokuti mugare kurudyi kana kuruboshwe rwangu, handisini ndinopa. Nzvimbo idzi ndedzaavo vakadzigadzirirwa naBaba vangu.”

24Vane gumi vakati vanzwa izvi vakatsamwira mukoma nomununʼuna ava. 25Jesu akavadana pamwe chete uye akati, “Munoziva kuti vatongi veveDzimwe Ndudzi vanobata ushe pamusoro pavo uye machinda avo makuru anoshandisa simba pamusoro pavo. 26Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, 27uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu, 28sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”

Mapofu Maviri Anosvinudzwa

29Jesu navadzidzi vake pavakabva kuJeriko, vanhu vazhinji kwazvo vakamutevera. 30Varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ainge opfuura nepo vakadanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”

31Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”

32Jesu akamira akavadana, akavabvunza achiti, “Munoda kuti ndikuitireiko?”

33Vakapindura vachiti, “Ishe, tinoda kuona.”

34Jesu akavanzwira tsitsi uye akabata meso avo. Pakarepo vakabva vaona uye vakamutevera.

Copyright information for SnaBDSC